KUVA NHENGO
Kuchange kune mhando dzenhengo dzinotevera:
(1) Nhengo yeRuzhinji inotambira munhu wose ane zvidzidzo zveDhigirii reHonours muMitauro yeAfrica. Asi zvakadaro, kuva nhengo kunokwanisa zvekare kupiwa kumunhu asingakwanisi kuzadzikisa zvidzidzo zvinodiwa kuva nhengo, kuburikidza nemaonero eBhodhi reSangano kana Komiti Inofambisa Mabasa eSangano (Executive Commitee).
(2) Nhengo yeRemekedzo inokwanisa kupiwa neBhodzi kuvanhu vanenge vaita mabasa ane mukurumbira muzvidzidzo netsvangurudzo dzemitauro pamwe nemuSangano.
(3) Nhengo yeVemabhizimisi inotambira vemakambani emabhizimisi vose. Nhengo yemabhizimisi yoga-yoga ine kodzero yekupiwa zvimwe zvinyorwa zvitatu zvezvinyorwa zvose zveALASA kana yakumbira. Vhoti imwe chete ndiyo ichabvumidzwa panhengo yemabhizimisi imwe neimwe.
(4) Nhengo kweUpenyu Hwose ichange iripo kunhengo yeveruzhinji yeALASA ipi zvayo, asi zvichienderana nekuti yabhadhara mari yenhengo yepagore roga-roga yakapetwa kagumi nekatanhatu panguva ipi zvayo yapiwa.
Bhodhi ndiro richatema uwandu hwemari (fizi) inobhadharwa nenhengo. Kubhadharwa kwefizi yenhengo nemwaka kunopa nhengo kodzero yekutumirwa chinyorwa cheJournal, pamwe nekutumirwa zvimwe zvinyorwa zveSangano nemutengo wakaderera pazvinenge zvichikwanisika.
Bhodhi rinokwanisa kumbomisa kuvanhengo kwemunhu nekuda kwezvikonzero zvakakodzera, somuenzaniso, nekuda kwefizi inenge yapfurikidza mazuva ekubhadharwa.
Nhengo yeRuzhinji neyeRemekedzo pamwe neyeveMabhizimisi uye neyeUpenyu Hwose dzikokwanisa kushandisa kodzero dzadzo kuvhota pachiitiko chipi zvacho cheSangano kana dzichinge dziripo sevanhu.